John 15

Muzambiringa naMatavi

1“Ndini muzambiringa wechokwadi, uye Baba vangu murimi. 2Davi rimwe nerimwe riri mandiri risingabereki vanoritema, asi davi rimwe nerimwe rinobereka michero vanorichekerera kuitira kuti rigozobereka michero yakawanda. 3Imi matonatswa nokuda kweshoko randataura kwamuri. 4Garai mandiri, uye ini ndichagara mamuri. Hakuna davi rinobereka michero riri roga; rinofanira kugara mumuzambiringa. Nemi hamungabereki zvibereko kunze kwokunge magara mandiri.

5“Ini ndiri muzambiringa; imi muri matavi. Kana munhu akagara mandiri uye neni maari, achabereka zvibereko zvakawanda; kunze kwangu hamugoni kuita chinhu. 6Kana munhu asingagari mandiri, akaita sedavi rakarasirwa kure rikaoma; matavi akadaro anotorwa, okandwa mumoto agopiswa. 7Kana muchigara mandiri uye mashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvose zvamunoda, uye muchazvipiwa. 8Baba vangu vanokudzwa naizvozvo kuti mubereke zvibereko zvakawanda, muchizviratidza kuti muri vadzidzi vangu.

9“Sezvo Baba vakandida, neniwo ndakakudai, zvino, chigarai murudo rwangu. 10Kana muchiteerera mirayiro yangu, muchagara murudo rwangu, sezvandakateerera mirayiro yaBaba vangu uye ndikagara murudo rwavo. 11Ndakuudzai izvi kuitira kuti mufaro wangu uve mamuri uye kuti mufaro wenyu uve wakakwana. 12Murayiro wangu ndouyu: Dananai, sezvo ini ndakakudai. 13Hakuna munhu ano rudo rukuru kuno urwu, kuti munhu ape upenyu hwake nokuda kweshamwari dzake. 14Muri shamwari dzangu kana muchiita zvandinokurayirai. 15Handichakuidzii varanda, nokuti muranda haazivi zvinoitwa natenzi wake. Asi ndinokuidzai shamwari, nokuti zvose zvandakadzidza kubva kuna Baba vangu ndakakuzivisai. 16Imi hamuna kundisarudza, asi ndakakusarudzai uye ndikakugadzai kuti muende mugondobereka zvibereko, izvo zvibereko zvinogara. Ipapo Baba vachakupai zvose zvamuchakumbira muzita rangu. 17Uyu ndiwo murayiro wangu: Dananai.

Nyika inovenga Vadzidzi

18“Kana nyika ichikuvengai, muyeuke kuti yakatanga kuvenga ini. 19Dai manga muri venyika, ingadai ichikudai sezvainoda vayo. Zvino, hamusi venyika, asi ini ndakakusarudzai kuti mubude munyika. Ndokusaka nyika ichikuvengai. 20Rangarirai mashoko andakataura kwamuri anoti, ‘Hakuna muranda angava mukuru kuna tenzi wake.’ Kana vakatambudza ini, vachakutambudzaiwo imi. Kana vakateerera kudzidzisa kwangu, vachateererawo kudzidzisa kwenyu. 21Vachakubatai nenzira iyi nokuda kwezita rangu, nokuti havazivi Iye akandituma. 22Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana chikonzero chokuita chivi chavo. 23Uyo anondivenga anovengawo Baba vangu. 24Dai ndanga ndisina kuita pakati pavo zvisina kutongoitwa nomunhu, vangadai vasina mhosva yechivi. Asi zvino vakaona zviratidzo izvi, asi vakandivenga ini naBaba vangu. 25Asi uku ndiko kuzadziswa kwezvakanyorwa muMurayiro wavo zvinoti: ‘Vakandivenga pasina chikonzero.’

26“Kana Munyaradzi asvika, iye wandichatuma kwamuri achibva kuna Baba, iye Mweya wechokwadi anobuda achibva kuna Baba, achapupura nezvangu. 27Nemiwo munofanira kupupura, nokuti makanga muneni kubva pakutanga.

Copyright information for SnaBDSC